ISBN 9781779345448
Pages 148
Dimensions 210x148 mm
Published 2025
Publisher Mwanaka Media and Publishing, Zimbabwe
Format Paperback

Nhemeramitupo

by Oscar Gwiriri

Nhemeramitupo ibhuku rizere nemadetembedzo emitupo yakawanda zvekuti kana paine wakasara, unenge uinewo chavo. Mutupo chiera chedzinza chinogona kunhemerwa kana kukudzwa munhu nacho mukutendwa kana kudzorwa. Vamwewo vanoganza nawo. Vadetembi vanonhemerana munhaurirano vari vemitupo imwe chete kana yakasiyana-siyana maringe nemagarisano avo pachivanhu. Hongu, apo neapo mubhuku rino, nyanduri akadetembawo achipfekera chizvinozvino iri nzira yokuratidza misambo nehunhu hwevamwe vanhu mukuyanana kwavo. Nhetembo dziri muno dzakanyandurwa neutesve hunobata madingindira akawanda-wanda achikwenenzverwa nekudetemberana mitupo semararamirwo aiitwa makare, kwete zvaveko mazuva ano zvekuti mutauri anosvika pakupedza nyaya muteereri akati zvake dzwii sechigutsa. Tinoona vadetembi vachiitirana madanha, kuyemura, kuraya, kugunun’una, kurova bembera, kuboorera, kusekesa, kutamba misambo yakasiyana-siyana, nyn’ambo nezvimwewo. Bhuku rino rinodzoredza tsika nemagariro edu. Rakanyorerwa vaverengi vemazera ose, uye rinogona kushandiswawo muzvikoro. Nyanduri akasutswa pauzima kunyora nhetembo idzi nemutowo usina kujairika, uye uchitora mwoyo wemuverengi. Nyoka haierwi negavi, kuzviverengera ndiko kuzvipedza.

Nhemeramitupo is a poetry collection which embraces almost all types of totems (Mitupo) in Zimbabwe. The famous poet, Oscar Gwiriri witfully fused these totems in his poems on different relationship themes, nature, life, death, and many more. He crafted a pleasurable read, thus deviating from the common style of totem praise. Totem poetry has been commonly used within and around Zimbabwe since time immemorial. It is most popular for addressing each other, praise, humour and rebuking. Some people soliloquise totems for self praise and gathering self- confidence. It is also used towards individuals or clans. Totems praise is still vibrant amongst the rural and urban citizenry of different tribes, as it is evidenced by its customisation on regalia during social functions, pimping of cars and general walks of life. A mannerism of totem acknowledgement during a conversation is another trait that has been exploited in this collection. The poems figuratively lyrics, narrates and dramatises how the Shona people relate in their day-to-day life. This book is a historical preserve of the origins of different clans, as some of the poems chronologically state family trees and ancient migrations. It shall pass on the Shona culture from generation to generation. It is suitable for pleasure reading as well as academic referencing.

Book Preview
Paperback
£15.00

About the Author

Oscar Gwiriri

Oscar Gwiriri akazvarwa musi wa15 June 1975 kwaIshe Mutasa, Zimbabwe. Zvimwe zvinyorwa zvake zvinowanikwa mumabhuku anopfuura makumi matanhatu. Munyori uyu ane chiremerera chokushevedzwa achinzi Certified Forensic Investigations Professional (CFIP), uye ane magwaro mazhinji mamwe acho anosanganisira; Master of Science in Strategic Management Degree, Bachelor of Business Administration, Diploma in Logistics and Transport (CILT,UK), Diploma in Workplace Safety and Health, Commanding United Nations Peacekeeping Operations Certificate nemamwewo. Zvisinei kuti munyori uyu ane zvidzidzo zvakawanda, uye akafamba nyika dzakawanda sei, anofarira kunyora nemutauro weChiShona chamandorokwati. Donzvo rake nderekuchengetedza nhaka yemadzitateguru edu. Kurudziro yake kune vechidiki ndeyekuti vadade nemutauro weChiShona chakapfuma, vozotambidzawo vazukururwi zvavo.